Kubwinya kwaJesu paGomo
1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga. 2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. 3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.
4 Petro akati kuna Jesu, "Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria."
5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, "Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!"