Kuporeswa kwoMukomana Aiva neDhimoni
14 Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, 15 "Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. 16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa."
17 Jesu akapindura akati, "Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri." 18 Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.