Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 17

Mutero womuTemberi

24 Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, "Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?"

25 Akapindura akati, "Hongu, anoripa."

Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?"

26 Petro akapindura akati, "Kuna vamwe." Jesu akati, "Saka vana vakasununguka. 27 Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também