Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 2

3 Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. 4 Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu. 5 Vakapindura vachiti, "MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:

6 "Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea

hausi muduku pamadzimambo ose aJudha,

nokuti mauri muchabuda mutongi

uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri."

7 Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi. 8 Akavatuma kuBheterehema akati, "Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata."

Veja também