Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 20

Mapofu Maviri Anosvinudzwa

29 Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. 30 Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!"

31 Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!"

32 Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, "Munoda kuti ndikuitireiko?"

33 Vakapindura vachiti, "Ishe, tinoda kuona."

34 Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também