Publicidade

Mateus 21

1 Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, 2 achiti kwavari, "Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. 3 Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza."

4 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti:

5 "Muti kuMwanasikana weZioni,

‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri,

ari munyoro, akatasva mbongoro,

ari pamusoro pomwana wembongoro.’ "

6 Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. 7 Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. 8 Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. 9 Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti:

"Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!"

"Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!"

"Hosana kumusoro-soro!"

10 Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, "Ndianiko uyu?"

11 Vazhinji vakati, "Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-20_17-16-08-