Muonde Unosvava
18 Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. 19 Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, "Ngakurege kuva nemicherozve pauri!" Pakarepo muti uya wakabva wasvava.
20 Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, "Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?"
21 Jesu akapindura akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. 22 Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera."