17 Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?"
18 Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, "Imi vanyengeri munondiedzereiko? 19 Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero." Vakamuvigira dhenari 20 uye akavabvunza akati, "Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?"
21 Vakapindura vakati, "NdezvaKesari."
Ipapo akati kwavari, "Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari."