29 "Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,
" ‘zuva richasviba,
uye mwedzi hauzovheneki;
nyeredzi dzichawa kubva kudenga,
namasimba omuchadenga achazungunuswa.’
30 "Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.