Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 24

3 Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, "Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?"

4 Jesu akapindura akati, "Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. 5 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, Ndini Kristu,uye vachinyengera vazhinji. 6 Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.

Veja também