Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 24

45 "Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? 46 Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. 47 Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. 48 Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,49 uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa. 50 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. 51 Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também