Judhasi Anobvuma Kutengesa Jesu
14 Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru 15 akandobvunza achiti, "Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?" Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. 16 Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.