Johani Mubhabhatidzi Anogadzira Nzira
1 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, 2 achiti, "Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo." 3 Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:
"Inzwi rounodanidzira murenje richiti,
‘Gadzirai nzira yaShe,
ruramisai migwagwa yake.’ "
4 Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi. 5 Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani. 6 Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.