Kuedzwa kwaJesu
1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. 2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara. 3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, "Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa."
4 Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ "
5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, 6 "Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
"Acharayira vatumwa vake pamusoro pako
uye vachakusimudza namaoko avo
kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe."
7 Jesu akamupindura akati, "Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ "
8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, 9 akati, "Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata."
10 Jesu akati kwaari, "Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ "
11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.