3 "Vakaropafadzwa varombo pamweya,
nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Vakaropafadzwa vanochema
nokuti vachanyaradzwa.
5 Vakaropafadzwa vanyoro
nokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama
nokuti vachagutswa kwazvo.
7 Vakaropafadzwa vane tsitsi
nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,
nokuti vachaona Mwari.
9 Vakaropafadzwa vanoyananisa
nokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama
nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 "Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. 12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.