Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 9

2 Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, "Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa."

3 Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, "Munhu uyu ari kumhura Mwari!"

4 Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, "Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? 5 Ndezvipi zvakareruka, kuti, Zvivi zvako waregererwa,kana kuti, Simuka ufambe? 6 Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, "Simuka, tora bonde rako uende kumba." 7 Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.

Veja também