Pular para o conteúdo
Publicidade

Provérbios 4

Uchenjeri chinhu chikuru

1 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;

nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

2 Ndinokupai dzidziso yakanaka,

saka regai kurasa dzidziso yangu.

3 Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu,

ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

4 baba vangu vakandidzidzisa vachiti,

"Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu;

chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;

usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6 Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;

hude, ihwo hugokurinda.

Veja também