5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;
usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.
6 Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;
hude, ihwo hugokurinda.
7 Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.
Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
8 Uhukudze; ipapo huchakusimudzira;
uhumbundikire, ipapo huchakukudza.