Pular para o conteúdo
Publicidade

Romanos 10

12 Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, 13 nokuti "Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa."

14 Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? 15 Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: "Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!"

16 Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, "Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?" 17 Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

Veja também