12 Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
13 Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake. 14 Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.