6 Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, 7 nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.
8 Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.