21 Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. 22 Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; 23 asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.
Publicidade
Publicidade