Publicidade

Romanos 8

Upenyu muMweya

1 Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, 2 nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. 3 Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, 4 kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-