Pular para o conteúdo
Publicidade

Rute 4

14 Vakadzi vakati kuna Naomi, "Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! 15 Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka."

16 Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. 17 Vakadzi vaigarako vakati, "Naomi ava nomwana womukomana." Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

Veja também

Rute
Ver todos os capítulos de Rute