6 Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. 7 Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. 8 Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. 9 Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.