Amigo
O amigo verdadeiro é dádiva rara de Deus. Ele ama em todo tempo, fala a verdade em amor, aconselha com sabedoria e permanece fiel nas adversidades da vida.
Amizade verdadeira
Há amigo mais chegado que um irmão. Em todo tempo ama o amigo. O perfume e o incenso alegram o coração — assim o conselho doce do amigo.
Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa,
asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.
Shamwari inoda panguva dzose,
uye hama yakaberekerwa kupikisana.
Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo,
uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.
Simbi inorodza simbi,
saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.
Kutsiurwa pachena kuri nani
pane rudo rwakavanzika.
Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika,
asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,
uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete,
muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.
Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo,
asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
Usaita ushamwari nomunhu ane hasha,
uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,
kuti urege kudzidza tsika dzake,
uye urege kuzviteya nomusungo.
Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi,
asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?
Pfuma inouyisa shamwari zhinji,
asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
Jesus, o amigo
Já não vos chamo servos, mas amigos. O maior amor é dar a vida pelo amigo. Jesus é o amigo que nunca falha.
Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.
Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko? Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, "Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama," uye akanzi shamwari yaMwari.
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.
Companheiros de fé
Dois são melhores do que um. Os companheiros de fé se fortalecem mutuamente e caminham juntos com o Senhor.
Vaviri vari nani pano mumwe chete,
nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:
Kana mumwe akawira pasi,
shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.
Asi ane nhamo munhu anowira pasi,
asina anomusimudza!
Zvakanaka uye zvinofadza sei
kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,
anoerera kundebvu,
anoerera kundebvu dzaAroni,
anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.
Zvinoita sokuti dova reHerimoni
riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.
Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,
ihwo upenyu husingaperi-peri.
Ndiri shamwari yavose vanokutyai,
nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.
Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye.
Musanyengerwa: "Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka."