Publicidade

Isaías 21

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:

Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,

mupambi anouya achibva kurenje,

kubva kunyika inotyisa.

2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.

Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba

Eramu, rwisa! Medhia, vandira!

Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;

marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;

ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,

ndakanganisika nezvandinoona.

4 Mwoyo wangu woziya,

kutya kwondidederesa;

rubvunzavaeni rwandaishuva

rwava chinyangadzo kwandiri.

5 Vanogadzira matafura,

vanowaridza micheka pasi,

vanodya, vanonwa!

Simukai, imi machinda,

zodzai nhoo!

6 Zvanzi naIshe kwandiri:

"Endai, mundogadza nharirire

uye muite kuti azivise zvaanoona.

7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,

navatasvi vari pamusoro pembongoro

kana vatasvi vari pamusoro pengamera,

ngaave akachenjera, akachenjera zvizere."

8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,

"Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;

usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro

neboka ramabhiza.

Uye anopa mhinduro achiti,

‘Bhabhironi rawa, rawa!

Zvifananidzo zvose zvavamwari

varo zvaputsirwa pasi!’ "

10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,

ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna

Jehovha Wamasimba Ose,

kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11 Chirevo pamusoro peDhuma:

Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,

"Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?

Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?"

12 Nharirire inopindura ichiti,

"Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.

Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;

uye ugodzokazve."

Chiprofita pamusoro peArabhia

13 Chirevo pamusoro peArabhia:

Imi ngoro dzavaDhedhani,

munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14 vigirai vane nyota mvura;

imi munogara muTema,

uyai nezvokudya zvavanotiza.

15 Vari kutiza munondo,

kubva kumunondo wavhomorwa,

nokuuta hwawemburwa,

uye nokupisa kwehondo.

16 Zvanzi naJehovha kwandiri: "Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera. 17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma." Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-