Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 12

Nziyo dzoKurumbidza

1 Pazuva iro muchati,

"Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,

kunyange makanga makanditsamwira,

kutsamwa kwenyu kwakadzorwa

uye makandinyaradza.

2 Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;

ndichavimba naye uye handingatyi.

Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;

ava ruponeso rwangu."

3 Nomufaro muchachera mvura

kubva mumatsime oruponeso.

4 Pazuva iro muchati,

"Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai zvaakaita pakati pendudzi,

uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.

5 Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

izvi ngazvizivikanwe pasi pose.

6 Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,

nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também