Publicidade

Isaías 20

Chiprofita pamusoro peIjipiti neEtiopia

1 Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa, 2 panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, "Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako." Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu.

3 Ipapo Jehovha akati, "Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia, 4 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadziso kuIjipiti. 5 Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa. 6 Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ "

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-