Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 39

Nhume dzakabva kuBhabhironi

1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake. 2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.

3 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, "Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?"

Hezekia akapindura achiti, "Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi."

4 Muprofita akamubvunza achiti, "Vakaoneiko mumuzinda menyu?"

Hezekia akati, "Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza."

5 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, "Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose: 6 Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. 7 Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi."

8 Hezekia akapindura achiti, "Shoko raJehovha rawataura rakanaka." Nokuti akafunga kuti, "Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu."

Todos os capítulos de Isaya 66
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.