Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 15

Chiprofita pamusoro peMoabhu

1 Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu:

Ari romuMoabhu rava dongo,

rakaparadzwa usiku!

Kiri romuMoabhu rava dongo,

rakaparadzwa usiku!

2 Dhibhoni rakwira kutemberi yaro,

kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema;

Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha.

Misoro yose yaveurwa

ndebvu dzose dzabviswa.

3 Munzira dzomuguta vakapfeka masaga:

pamusoro pamatenga edzimba

uye nomumatare, vanoungudza vose,

vakazvambarara vachichema.

4 Heshibhoni neErieri dzinodanidzira,

manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi.

Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira,

uye mwoyo yavo yaziya.

5 Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu;

vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari,

kusvikira kuEgirati-Sherishiya.

Vanokwidza nenzira yokuRuhiti,

vanofamba vachichema,

munzira yokuHoronaimi

vanochema kuparadzwa kwavo.

6 Mvura yokuNimirimi yakapwa

uye uswa hwaoma;

bumhudza rapera

uye hapachina chakasvibirira chakasara.

7 Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza

vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.

8 Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu;

kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi,

kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.

9 Mvura yapaDhimoni yakazara neropa,

asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni,

shumba pamusoro pavatizi veMoabhu

uye napamusoro pavaya vakasara munyika.

Todos os capítulos de Isaya 66
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.