Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 31

Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti

1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,

vanovimba namabhiza,

vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo

uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,

asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,

kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.

2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;

haangadzosi mashoko ake.

Iye achamukira imba yavakaipa,

naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.

3 Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari,

mabhiza avo inyama uye haasi mweya.

Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake,

uyo anobatsira achagumburwa,

uyo achabatsirwa achawa;

vose vachaparara pamwe chete.

4 Zvanzi naJehovha kwandiri:

"Sezvinoita shumba inoomba,

seshumba huru pamusoro pechayabata,

kunyange mhomho yose yavafudzi

ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi,

iyo haingavhundutswi noruzha rwavo,

kana kukanganiswa nemhere yavo,

saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni

napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.

5 Seshiri dzinobhururuka napamusoro,

Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema;

acharidzivirira, acharirwira,

achadarika pamusoro paro uye acharisunungura."

6 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri. 7 Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

8 " ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu;

munondo, kwete wavanhu, uchavapedza.

Vachatiza pamberi pomunondo

uye majaya avo achaiswa kuchibharo.

9 Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya;

vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,"

ndizvo zvinotaura Jehovha,

ane moto wake paZioni

choto chake chiri muJerusarema.

Lugar Bíblico
Região / Território
Assíria
Hoje: Norte da Mesopotâmia (Iraque)
אַשּׁוּרashshur
Assíria é a terra cujos reis tomaram a Galileia e Naftali, cercaram Samaria por três anos e deportaram israelitas para Hala, Habor e Gozã. Senaqueribe, seu rei, enviou servos a Ezequias em Jerusalém (2 Crônicas 32:9).
36,36° N, 43,15° L
Citado em 141 versículos
Ver página completa
Todos os capítulos de Isaya 66
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.