Publicidade

Ascensão

Por Bíblia Online

A ascensão de Jesus ao céu é a coroação de sua obra redentora. Ele subiu à destra do Pai, de onde voltará com poder e glória para buscar os seus.

Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.

Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, "Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga."

Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.

Kukwidzwa kwaJesu kudenga

Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.

Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.

Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.

Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba."

Jesu akati kwaari, "Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’ "

Jesu akati kwavari, "Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.

Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo:

Iye akaratidzwa panyama,

akaruramiswa noMweya,

akaonekwa navatumwa,

akaparidzwa pakati pendudzi

panyika vakatenda kwaari,

akakwidzwa mukubwinya.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-