Pular para o conteúdo
Publicidade

Zekaria 13

Kushambidzwa paZvivi

1 "Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena.

2 "Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! "Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. 3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya.

4 "Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. 5 Achati, Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?achapindura achiti, Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.

Mufudzi arohwa, makwai akapararira

7 "Muka, iwe munondo, urwise mufudzi,

urwise munhu ari pedyo neni!"

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

"Rova mufudzi, makwai agopararira,

uye ndichasimudza ruoko rwangu

kuti rurwise madiki acho.

8 Munyika yose," ndizvo zvinotaura Jehovha,

"zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara;

asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.

9 Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto;

ndichavanatsa sesirivha

uye ndichavaedza segoridhe.

Vachadana kuzita rangu

uye ndichavapindura;

ndichati, Ndivo vanhu vangu.

Uye ivo vachati, Jehovha ndiye Mwari wedu.’ "

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também