Pular para o conteúdo
Publicidade

Zekaria 3

Nguo dzakachena dzoMuprista Mukuru

1 Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere. 2 Jehovha akati kuna Satani, "Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?"

3 Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. 4 Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, "Mubvisei nguo dzake dzine tsvina." Ipapo akati kuna Joshua, "Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha."

5 Ipapo ndakati, "Isai nguwani yakachena pamusoro wake." Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo.

6 Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti, 7 "Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.

8 " Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi. 9 Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.

10 " Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também