Filho do homem
Filho do Homem é o título que Jesus mais usou para si mesmo. Ele conecta sua humanidade plena com a visão profética de Daniel sobre o Messias glorioso que receberá domínio eterno.
A profecia de Daniel
Daniel viu alguém como o Filho do Homem vindo com as nuvens do céu. Foi-lhe dado domínio, glória e reino eterno.
"Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga "akaita somwanakomana womunhu," akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake.
Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe "akaita somwanakomana womunhu" ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.
Akati, "Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari."
Jesus, o Filho do Homem
O Filho do Homem veio buscar e salvar o que se havia perdido. Ele tem autoridade para perdoar pecados e julgar.
Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.
Akapindura akati, "Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.
Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, "Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu.
Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
"Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga.
nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, "Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka."
Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji."
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Akati kumurume akanga akaoma mutezo, "Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba."
Jesu akapindura akati, "Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake."
Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake.
Glória e autoridade
Quando o Filho do Homem for levantado, atrairá todos a si. Ele é plenamente humano e plenamente divino.
Saka Jesu akati kwavari, "Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.
Ipapo akatizve, "Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu."
Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:
"Ko, munhu chii zvamunomufunga,
kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?