Pular para o conteúdo
Publicidade

Hosea 14

Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo

1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.

Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!

2 Endai namashoko

uye mudzokere kuna Jehovha.

Muti kwaari: "Regererai zvivi zvedu zvose

mutigamuchire nenyasha,

kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

3 Asiria haingatiponesi;

hatingatasvi mabhiza ehondo.

Hatizombotizve, Vamwari vedu

kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,

nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri."

4 "Ndichaporesa kusateerera kwavo

uye ndichangovada hangu,

nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

5 Ndichava sedova kuna Israeri;

achatunga seruva remahapa.

Somusidhari weRebhanoni

achadzikisa midzi yake;

6 mabukira ake achakura.

Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,

kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.

7 Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.

Achabudirira sezviyo.

Achatunga maruva somuzambiringa,

uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.

8 Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?

Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.

Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;

kubereka kwako kunobva kwandiri."

9 Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.

Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.

Nzira dzaJehovha dzakarurama;

vakarurama vanofamba madziri,

asi vatadzi vanogumburwa madziri.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também