Pular para o conteúdo
Publicidade

Hosea 3

Hosea anodzokerana nomukadzi wake

1 Jehovha akati kwandiri, "Enda, unodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini."

2 Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanu3:2 magiramu angaita 170 esirivha neinenge homeri nereteki3:2 marita angaita 330 rebhari. 3 Ipapo ndakati kwaari, "Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva chifeve kana kudanana nomumwe murume, uye ndichagara newe."

4 Nokuti vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro, vasina shongwe, efodhi kana chifananidzo. 5 Mushure maizvozvo vaIsraeri vachadzoka vagotsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya vachidedera kuna Jehovha nokumaropafadzo ake mumazuva okupedzisira.

Todos os capítulos de Hosea 14
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.