Publicidade

Gratidão a Deus

Por Bíblia Online

A gratidão a Deus é atitude que transforma a vida. Reconhecer que toda boa dádiva vem de Deus nos leva a louvar, servir e viver com alegria e propósito.

Tudo vem de Deus

Toda boa dádiva vem do alto. Agradecer a Deus é reconhecer que Ele é a fonte de toda bênção e sustento.

Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,

Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

Nyasha dzaIshe kuna Pauro

Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.

Dzidziso pamusoro poKunamata

Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,

muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza.

mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.

Louvor e gratidão

Louvai ao Senhor e dai-lhe graças! Ele fez maravilhas e é digno de todo louvor e agradecimento.

Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

"Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari,

zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,

uye ndichamukudza nokuvonga.

Asi vose vanokutsvakai

ngavafare nokufarisisa mamuri;

vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti,

"Mwari ngaakudzwe!"

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, "Regai kuparadza." Pisarema raAsafi. Rwiyo.

Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,

nokuti Zita renyu riri pedyo;

vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.

Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu,

vachakurumbidzai nokusingaperi;

kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa,

ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.

Pindai pamasuo ake nokuvonga

nomuvanze dzake nokurumbidza;

chimuvongai uye murumbidze zita rake.

Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba;

makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.

Vongai Jehovha nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Expressões de gratidão

Dar graças com oração e súplica. A gratidão se expressa em palavras, atos e atitudes que glorificam a Deus.

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.

muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.

Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.

Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe.

vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

vachiti:

"Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose,

Iye aripo uye akanga aripo,

nokuti matora simba renyu guru

uye matanga kutonga.

Asi ini, norwiyo rwokuvonga,

ndichabayira kwamuri.

Zvandakapika ndichazvizadzisa.

Ruponeso runobva kuna Jehovha."

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-