Publicidade

Frutos do Espírito

Por Bíblia Online

Os frutos do Espírito são evidências visíveis da presença de Deus na vida do crente. Amor, alegria, paz, paciência — são marcas que diferenciam os filhos de Deus no mundo.

O fruto do Espírito

O fruto do Espírito é amor, alegria, paz, paciência, amabilidade, bondade, fidelidade, mansidão e domínio próprio. Contra estas coisas não há lei.

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe.

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka. Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari. Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu. Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.

Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu! Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Permanecer em Cristo

Quem permanece em Cristo dá muito fruto. Toda árvore boa produz bons frutos — e é pelo fruto que se conhece a árvore.

Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.

"Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.

Muti nomuchero wawo

"Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

Semear e colher

Quem semeia na justiça colherá fruto de vida. Os frutos do Espírito são a colheita de uma vida plantada no Senhor.

Zvidyarirei kururama,

kohwai chibereko chorudo rusingaperi,

mugorima gombo renyu;

nokuti inguva yokutsvaka Jehovha,

kusvikira auya

kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.

Udzai vakarurama kuti zvichavanakira,

nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.

Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.

Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka;

zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-