Publicidade

Pais e filhos

Por Bíblia Online

A relação entre pais e filhos é uma das mais preciosas na Bíblia. Deus estabeleceu a família como escola de fé, amor e formação de caráter.

Honrar pai e mãe

Honrar os pais é o primeiro mandamento com promessa. Os filhos são chamados a obedecer, respeitar e cuidar de seus pais.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika."

Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,

uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake

mwanakomana anonyadzisa.

Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,

mwenje wake uchadzimwa parima guru.

Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.

Instruir os filhos

Os pais devem instruir os filhos no caminho certo. A educação começa cedo, com disciplina amorosa e ensino constante da Palavra.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri

Mwanakomana wangu, teerera,

kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako

nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.

Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,

asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,

asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?

Filhos como bênção

Os filhos são herança do Senhor. A coroa dos velhos são os filhos dos filhos, e a glória dos filhos são seus pais.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;

uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

Zvirevo zvaSoromoni

Zvirevo zvaSoromoni:

Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,

asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

"Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!"

Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."

Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevana vavo, kana vana kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo; mumwe nomumwe achafira chivi chake.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-