Publicidade

Paz

Por Bíblia Online

A paz é um dos frutos do Espírito e uma promessa central de Jesus: 'Deixo-vos a paz, a minha paz vos dou.' A Bíblia nos chama a buscar, cultivar e viver na paz de Deus.

A paz de Cristo

Jesus é o Príncipe da Paz. Antes de partir, prometeu aos discípulos uma paz que o mundo não pode dar nem tirar — paz sobrenatural em meio às tribulações.

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

Nokuti takazvarirwa mwana,

takapiwa mwanakomana,

uye umambo huchava pamapfudzi ake.

Uye achanzi Gota Rinoshamisa,

Mwari Ane Simba,

Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.

Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, "Rugare ngaruve nemi."

Paz com Deus

Justificados pela fé, temos paz com Deus por meio de Cristo. Ele é a nossa paz, que derrubou a barreira e nos reconciliou.

Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,

Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,

uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa.

Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene:

Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.

Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.

Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,

A paz que excede o entendimento

A paz de Deus, que excede todo entendimento, guarda nosso coração e mente. Ela vem da confiança no Senhor e da entrega total a Ele.

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Muchachengeta murugare

rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,

nokuti anovimba nemi.

Muchachengeta murugare

rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,

nokuti anovimba nemi.

Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.

Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.

Promotores da paz

Bem-aventurados os pacificadores, porque serão chamados filhos de Deus. A Escritura nos chama a buscar e promover a paz em todos os relacionamentos.

Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

Nokuti,

"Uyo anoda upenyu

kuti agoona mazuva akanaka

anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,

nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;

anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;

anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

O fruto da paz

A sabedoria que vem do alto é pacífica. O fruto da justiça se semeia em paz por aqueles que cultivam a paz com mansidão.

Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,

Chibereko chokururama chichava rugare;

uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.

Paz interior e descanso

Aquietai-vos e sabei que Eu sou Deus. A paz do Senhor acalma tempestades, silencia medos e sustenta a alma em todo tempo.

"Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika."

Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,

nokuti imi moga, Jehovha,

munoita kuti ndigare pakasimba.

Jehovha anopa simba kuvanhu vake;

Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika,

uye vachafarikana norugare rukuru.

Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama;

ane ramangwana rakanaka munhu worugare.

Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru,

uye hakuna chingavagumbusa.

Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru,

uye hakuna chingavagumbusa.

Ndiri munhu worugare;

asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, "Nyarara! Dzikama!" Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.

Iye akati kwaari, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako."

"Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu."

Anunciadores da paz

Como são formosos os pés dos que anunciam boas novas de paz! O evangelho é a mensagem de paz para todos os povos.

Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: "Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!"

Dzakanaka sei pamusoro pamakomo

tsoka dzavanouya namashoko akanaka,

vanoparidza rugare,

vanouya namashoko akanaka,

vanoparidza ruponeso,

vanoti kuZioni,

"Mwari wako anotonga!"

"Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro,

uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira."

"Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!"

"Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!"

Tarira, pamakomo apo,

tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka,

anoparidza rugare!

Pemberera mitambo yako, iwe Judha,

uye uzadzise mhiko dzako.

Vakaipa havachakurwisazve;

vachaparadzwa zvachose.

uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.

O Deus da paz

Que o Deus da paz esteja com todos vocês. Ele nos santifica por completo e nos guarda irrepreensíveis para a vinda do Senhor.

Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.

Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi,

Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare.

Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,

" ‘Jehovha akuropafadzei

uye akuchengetei;

Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu

uye akunzwirei tsitsi;

Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri

uye akupei rugare.’ "

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

" ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.

Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,

uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

Muchabuda nomufaro,

uye muchafambiswa murugare;

makomo nezvikomo zvichapururudza

uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu,

uye miti yose yeminda

ichauchira maoko ayo.

Mwari wangu anoti, "Vakaipa havana rugare."

Paz, santidade e unidade

A paz exige esforço: guardar a unidade do Espírito, evitar contendas e buscar a santidade. Sem paz e santidade, ninguém verá o Senhor.

Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.

Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha,

anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.

Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi,

munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara,

asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.

Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri.

Paz e fé

O Deus da esperança nos encha de paz e alegria no crer. Quem mantém o pensamento firme no Senhor experimenta paz perfeita.

Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.

Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,

Uye nzira yorugare havaizivi."

"Kutya Mwari hakupo pamberi pavo."

Jesu akati kumukadzi, "Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare."

"Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’

Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.

Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

"Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.

Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima

nomumumvuri worufu,

uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare."

Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo.

nguva yokuda nenguva yokuvenga,

nguva yehondo nenguva yorugare.

Nzira yorugare havaizivi;

hapana kururamisira pamakwara avo.

Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama;

hakuna anofamba madziri achaziva rugare.

Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji pavanofunga kuti vagarika uye achamukirawo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.

Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.

Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani.

vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha." ’

"Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.

Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare.

Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-