Pular para o conteúdo
Publicidade

2 Samueri 20

Shebha anomukira Dhavhidhi

1 Zvino nhubu yainzi Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini, aivapowo. Akaridza hwamanda akadanidzira achiti,

"Isu hatina mugove muna Dhavhidhi,

hatina chikamu mumwanakomana waJese!

Munhu wose ngaaende kutende rake, imi vaIsraeri!"

2 Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema.

3 Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake gumi vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakachengetwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.

4 Ipapo mambo akati kuna , "Dana varume veJudha vauye kwandiri pakati pamazuva matatu, uye newe uve pano." 5 Asi akati aenda kundodana Judha, akatora nguva yakareba kupfuura yaakanga atarirwa namambo.

6 Dhavhidhi akati kuna Abhishai, "Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbhusaromu. Tora varanda vatenzi wako umutevere, zvimwe angawana maguta akakomberedzwa uye akatipunyuka." 7 Saka vanhu vaJoabhu, vaKereti, vaPereti nemhare dzose vakabuda vachitungamirirwa naAbhishai. Vakafamba vachibva kuJerusarema vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

8 Vakati vari padombo guru muGibheoni, akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanhire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo.

9 Joabhu akati kuna , "Wakadiniko, mununʼuna wangu?" Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode. 10  akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, akafa. Ipapo Joabhu nomununʼuna wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

11 Mumwe wavanhu vaJoabhu akamira parutivi rwaAmasa akati, "Ani naani anoda Joabhu, uye ani naani ari waDhavhidhi, ngaatevere Joabhu!" 12  akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango, akakanda nguo pamusoro pake. 13 Shure kwokunge Amasa abviswa mumugwagwa, varume vose vakapfuurira mberi naJoabhu vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri.

14 Shebha akapfuura nomumarudzi ose aIsraeri kusvikira kuAbheri Bheti Maaka uye nomudunhu rose ravaBheri, uye vakaungana pamwe chete vakamutevera. 15 Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo, 16 mukadzi akangwara akadanidzira ari muguta akati, "Inzwai! Inzwai! Taurirai Joabhu kuti auye pano kuti ndigotaura naye." 17 Akaenda kwaari, iye akamubvunza akati, "Ndiwe Joabhu here?"

Akapindura akati, "Ndini."

Mukadzi akati, "Teererai zvinoreva murandakadzi wenyu."

Iye akati, "Ndakateerera."

18 Mukadzi akaenderera achiti, "Kare kare vaisimboti, ‘Tora mhinduro yako paAbheri,’ uye zvaipera ipapo. 19 Isu tiri vorugare navakatendeka muIsraeri. Uri kuedza kuparadza guta rinova ndiro mai muIsraeri. Seiko uchida kumedza nhaka yaJehovha?"

20 Joabhu akati, "Ngazvive kure neni! Ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza! 21 Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta."

Mukadzi akati kuna Joabhu, "Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo."

22 Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema.

23 Joabhu akanga ari mukuru wehondo yose yeIsraeri;

Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari mukuru wavaKereti navaPareti;

24 Adhoniramu akanga ari mutariri wavashandi vechibharo;

Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi akanga ari munyori wenhoroondo;

25 Shevha akanga ari munyori;

Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;

26 uye Ira muJairi aiva muprista waDhavhidhi.

Pessoa
H6021
Amasa
עֲמָשָׂאamasa
Amasa foi o comandante que Absalão nomeou no lugar de Joabe e a quem Davi prometeu o mesmo posto; filho de Jéter e Abigail, foi morto por Joabe com um punhal (2 Samuel 20:10).
Citado em 12 versículos
Ver página completa

Todos os capítulos de 2 Samueri 24
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.