Separação
A separação traz dor profunda, mas a Bíblia nos consola com a promessa de que Deus nunca nos abandona. Seja na perda, na distância ou no luto, Ele é nosso refúgio.
Deus está presente na dor
O Senhor está perto dos quebrantados de coração e promete nunca nos deixar órfãos. Na separação, Ele é nosso consolo mais íntimo.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,
handingatyi zvakaipa,
nokuti imi muneni;
tsvimbo yenyu nomudonzvo
wenyu zvinondinyaradza.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,
uye anosunga maronda avo.
Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,
Jehovha achandigamuchira.
Esperança e conforto
A separação não é o fim. Deus transforma a dor em esperança, e o sofrimento presente produz uma glória eterna que supera toda aflição.
Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro.
Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.
Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.
Amor que persevera
O amor verdadeiro é mais forte que a separação. A fé nos sustenta e nos dá a certeza de que o reencontro virá.
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;
nzizi hadzigoni kurukukura.
Kunyange munhu akapa
pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,
zvingazvidzwa chose.
Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, "Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure.
Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira. Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha." Uye akanamata Jehovha ipapo.
Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.