Sobre ter filhos
Filhos são uma dádiva do Senhor, uma herança que Deus confia aos pais. A Bíblia celebra a maternidade e a paternidade como vocações sagradas e fontes de bênção.
Filhos: herança do Senhor
A Escritura declara que os filhos são bênção de Deus. Cada criança é um presente precioso confiado aos pais para ser cuidado com amor.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Semiseve mumaoko emhare
ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
Akaropafadzwa murume
ane goba rizere navo.
Havanganyadziswi
pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,
pakati peimba yako;
vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,
vakakomberedza tafura yako.
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,
samai vavana vanofara.
Rumbidzai Jehovha.
Mwari akavaropafadza akati kwavari, "Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika."
Instruir nos caminhos de Deus
A Bíblia orienta os pais a instruir seus filhos nos caminhos do Senhor desde cedo, com dedicação, disciplina e exemplo.
Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,
uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka.
Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare;
achauyisa mufaro kumweya wako.
Cada vida é preciosa
Deus conhece e forma cada criança no ventre. Antes de nascer, Ele já nos separou e preparou um propósito para cada vida.
"Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,
usati waberekwa, ndakakutsaura;
ndakakugadza somuprofita kumarudzi."
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;
makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;
mabasa enyu anoshamisa,
ndinonyatsozviziva kwazvo.
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,
pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.
Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
Pamiromo yavana navacheche
makaisa rumbidzo
nokuda kwavavengi venyu,
kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."