Pular para o conteúdo
Publicidade

Mapisarema 88

Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi.

1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa,

ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu;

rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika,

uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba;

ndava somunhu asina simba.

5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa,

savakaurayiwa vavete muguva,

vamusingacharangaririzve,

vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika,

murima guru makadzika dzika.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,

makandifukidza namafungu enyu ose. Sera

8 Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo,

uye mukandiita chinhu chinonyangadza.

Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;

9 meso angu asviba neshungu.

Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose;

ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.

10 Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here?

Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera

11 Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva,

nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12 Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima,

kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13 Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha;

mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba

uye muchindivanzira chiso chenyu?

15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu;

ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu;

kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu;

ndakaputirwa nazvo chose.

18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu;

rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Todos os capítulos de Mapisarema 150
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.