Pular para o conteúdo
Publicidade

MAPISAREMA 129

Rwiyo rworwendo.

1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

Israeri ngaati,

2 "Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

asi havana kundikunda.

3 Varimi vakarima musana wangu

vakaita miforo yavo mirefu."

4 Asi Jehovha akarurama,

akandisunungura pamabote avakaipa.

5 Vose vanovenga Zioni

ngavadzorerwe shure nenyadzi.

6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,

hunooma husati hwakura;

7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,

uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti,

"Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;

tinokuropafadza muzita raJehovha."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também