Publicidade

Salmos 54

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, "Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?"

1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;

ndiruramisirei nesimba renyu.

2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;

teererai kumashoko omuromo wangu.

3 Vatorwa vanondirwisa;

vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,

vanhu vasingazivi Mwari. Sera

4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;

ishe ndiye anonditsigira.

5 Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;

muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;

ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,

nokuti rakanaka.

7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,

uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-