Publicidade

Salmos 112

1 Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

anofarira mirayiro yake zvikuru.

2 Vana vake vachava nesimba panyika;

zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,

iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji

uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;

munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7 Haangatyi mashoko akaipa;

mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;

pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

9 Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,

kururama kwake kunogara nokusingaperi;

runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa,

acharumanya meno ake uye achaonda;

kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-