Publicidade

Salmos 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose;

pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,

iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,

marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu,

iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera

5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,

Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;

muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;

Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana

savanhu vaMwari waAbhurahama,

nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;

iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-